Ruzha
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuNyaudzo)
Ruzha kana nyaudzo (Noise) zvinoreva kutaura kurira nezwi rakakwirira zvikurusei kana kurira uku kuchikanganisa vamwe vanoda kunyararo. Mubhawa mune ruzha. Nokumwe kutaura tingati zhowezha - noise, pandemonium.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Chiya (Disturbing noise, racket) zvinoreva ruzha runokanganisa kana kuvhiringa nzvimbo ine runyararo.
- Motokari dzinopa chiya pamugwagwa uri pedyo nemusha wavo - motor-cars make a row along the street that passes by their homestead.
- Mufanechiya rikagova zita remhuri.
- Jenje kunyangata izvo kuruma harigoni. The large soldier termite makes (threatening) sounds but it is unable to bite.
- Kudzimidza (drown sound) Bopama rakadzimidza mhere yairidzwa.
- Mhishi kana mhirizhonga (Noise made by an angry mob).
- Bope kana mhope (a quarrel, a disturbance, noise) zvichireva ruzha rwevanhu vari kupopotana - muchokoto.
- Mhopo kana mhopiro (1. Noise of many people conversing together, 2. Hubbub).
- Kukwindidza (1. Slam door, 2. Strike resounding blow on back or belly, 3. Pound - e.g. fist on table). Kune zita remhuri rinonzi Mukwindidza.