Guyana
| |||
Rwiyo: Dear Land of Guyana, of Rivers and Plains | |||
Gayana (kana Guiana) pachihofisi ichinzi Batirano re Rudhende rwe Gayana inyika iri kuziwumbe uye chekumaoderanyemba enyikahuru ye Amerika Chamhembe. Gayana ishoko rechivare rinoreva kuti "Nyika ye Mamvura Mazhinji". Gutaguru rayo iJojitaundi. Gayana yakaganhurwa ne Gungwa re Atlandiki kumaodzanyemba, Bhuraziri kuchamhembe uye kuchamhembechemadokero, Vhenezuera kumadokero, uye Suriname kumabvazuva. Ne 215,000 km2 (83,000 sk mi), Gayana muvusodoko wevuamire wechitatu neruwa munyikahuru ye Amerika Chamhembe mushure meUrugwayi ne Suriname, uye muvuso wevuamire wechipiri chekupedzisira muhuwandau hwevagari mushure meSuriname; pamusoro pezvo ndiyo nyika inedhenziti yehuwandu hwakashomekera pakati penyika dze Rinopasi. Ine huwandu hwakasiyana siyana hwuzhinji hwe hugaro uye mhenyumusiyano (bhayodhaivhesiti) wakakwira.
Chisis chinozivikanwa se "VoGayanasi" inosanganisa runhoo rukuru rwe nzvimboguru kumaodzanyemba eRwizi Amazoni, uye kumambvazuva kune Rwizi Orinoko se "nyika ye mamvura mazhinji". Pane madzinza echivare mapfumbamwe anogara muGayana: Vawaiwai, Vamakushi, Vapatamona, Valokono, Vakalina, Vawapishana, Vapemong, Vaakawaio ne Vawarao.
South America | |
---|---|
Argentina • Bolivia • Brazil • Chile • Colombia • Ecuador • French Guiana • Guyana • Paraguay • Peru • Suriname • Uruguay • Venezuela |